RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
  • Nhasi

Muvhuro, November 10

Ivai nechokwadi nezvinhu zvese.—1 VaT. 5:21.

Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “ivai nechokwadi” rakashandiswa pakutsanangura zvaiitwa nevanhu pavaiongorora zvicherwa zvinokosha kuti vave nechokwadi chekuti hazvisi zvekunyepedzera. Saka tinofanira kuedza mashoko atinonzwa kana kuti atinoverenga kuti tione kana ari echokwadi. Izvi zvichatonyanya kukosha kwatiri sezvo kutambudzika kukuru kwava kusvika. Pane kuti tingobvuma mashoko ese ese anotaurwa nevanhu, tinoenzanisa zvatinoverenga kana kuti zvatinonzwa nezvinotaurwa neBhaibheri uye nesangano raJehovha. Patinoita izvozvo, hatizonyengerwi nemashoko chero api zvawo akafemerwa nemadhimoni. (Zvir. 14:15; 1 Tim. 4:1) Vashumiri vaMwari vachapona pakutambudzika kukuru seboka. Asi semunhu mumwe nemumwe, hatizivi zvichaitika kwatiri mangwana. (Jak. 4:14) Kunyange zvakadaro, tichapiwa mubayiro weupenyu husingaperi kana tikaramba takatendeka pasinei nekuti tapona pakutambudzika kukuru kana kuti tafa kusati kwasvika. Dai tese tikaisa pfungwa dzedu patariro yakazonaka yatiinayo uye tikaramba takagadzirira zuva raJehovha! w23.06 13 ¶15-16

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Chipiri, November 11

[Anozivisa] zvakavanzika zvake kuvashumiri vake.—Amo. 3:7.

Hatizivi kuti humwe uprofita hweBhaibheri huchazadzika sei. (Dhan. 12:​8, 9) Asi kusanyatsonzwisisa kuti humwe uprofita huchazadziswa sei hakurevi kuti hahuzozadziki. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatizivisa zvatinofanira kuziva panguva chaiyo yakakodzera sezvaaiita kare. Kuziviswa kwemashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” kuchaitwa. (1 VaT. 5:3) Hurumende dzenyika dzichabva dzapandukira chitendero chenhema dzochiparadza. (Zvak. 17:​16, 17) Dzichabva dzazorwisa vanhu vaMwari. (Ezek. 38:​18, 19) Zviitiko izvi zvichatungamirira kuhondo yekupedzisira yeAmagedhoni. (Zvak. 16:​14, 16) Tinogona kuva nechokwadi chekuti zviitiko izvi zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. Asi panguva ino, ngatirambei tichiratidza kuonga kwatinoita Baba vedu vekudenga vane rudo nekufungisisa uprofita hweBhaibheri uye nekubatsira vamwe kuti vaitewo izvozvo. w23.08 13 ¶19-20

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Chitatu, November 12

Ngatirambei tichidanana, nekuti rudo runobva kuna Mwari.—1 Joh 4:7.

Muapostora Pauro paaitaura nezvekutenda, tariro, uye rudo, akapedzisa nekuti “chikuru pane zvese rudo.” (1 VaK. 13:13) Nei Pauro akataura izvi? Mune ramangwana, tichange tisingachafaniri kuva nekutenda muvimbiso dzaMwari dzinotaura nezvenyika itsva kana kuva netariro yekuti vimbiso idzodzo dzichazadziswa nekuti dzinenge dzatozadziswa. Asi tichafanira kuramba tichida Jehovha uye vanhu. Kuda kwatinovaita kucharamba kuchiwedzera nekusingaperi. Uyewo rudo runoita kuti tizivikanwe kuti tiri vaKristu vechokwadi. Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Kudanana kunoitawo kuti tirambe takabatana. Pauro akataura nezverudo achiti “irwo chisungo chakakwana chekubatana.” (VaK. 3:14) Muapostora Johani akanyorera vamwe vaKristu vaainamata navo kuti: “Munhu anoda Mwari anofanira kudawo hama yake.” (1 Joh. 4:21) Patinoratidza vamwe rudo, tinenge tichiratidza kuti tinoda Mwari. w23.11 8 ¶1, 3

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe